By Chipfuwo Agriscientist |08 April 2022 | 02:00 am

Translated to Shona version by Progress Muwadzuri

Kune chirwere chapararira munzvimbo zhinji dzenyika yeZimbabwe chichibata zvikuru varimi vemombe, chirwere ichi (Theileriosis) chinyanyobata zvikuru kutanga kwegore mumwedzi waNdira zvakare chinounzwa nezvikwekwe kana kuti madari anonzi nevamwe magupa. Kuvarimi vemombe vadiki, chirwere ichi chirikuwanikwa chichiparadza danga rose. Ongororo netsvakurudzo inoratidza kuti varimi vazhinji varikuedza kushandisa nzira yekusungirira mombe pamiti inenge iri panzvimbo dzavanodhibhisira kana kurapira mombe, izvi munogona kuzviwana padandemutande nemusoro unoti (22) ANIMAL HANDLING STRUCTURES-YouTube. Nzira yekushandisa  miti iyi inzira inorwadza zvekuti murimi anogona kungorapa mombe mbiri chete achibva atoneta. Zvakare iyi nzira yakaipa chaizvo apo dzimwe nguva mombe dzinowanikwa dzichidzidzura miti pamwe nekukuvadza vanenge vachishanda nadzo. Dzambudziko iri rinowanzoitika mumamisha apo vanochengeta mombe vanotsvaka nzira dzirinyore dzekuchengeta nadzo mombe pasina ruzivo rwaforomani kana muridzi wemombe zvakafanana nekushandisa gumbure kudhibhisa mombe dzichizvofambira zvadzo panzvimbo yadzinochengeterwa.

Kana murimi achinge afunga kuwedzera danga rake: Zvakanaka here kuwedzera danga pasina pekuzochengetera mombe dzacho? Varimi vane here ruzivo rwakakwana uye vane here zvinotarisirwa pamunhu afunga kuwedzera danga? Hazvina njodzi here kuwedzera danga zvikuru asi kuzvivakwa zvekuchengetera usina hanya yakanyanya.

Nzvimbo diki dzekuchengetera mombe dzakaitwa neChipfuwo Agriscience kuHippo Valley

Vanhu vazhinji vanowirirana nerokuti, varimi vemombe vadiki zvakare vekumaruwa vakakomborerwa nekuwana madhibha akavakwa munzvimbo dzavagere zvinobatsira kuti mombe dzavo dzinogara dzichidhibha pamwe nekubaiwa mushonga inodzivirira zvirwere zvakasiyanasiyana. Asi havasi vose varimi vanogara padyo namadhibha awa vanokwanisa kuendako kana mombe dzavo dzarwara. Iri idambudziko risingagadziriki kuti nguva nenguva varimi pavanenge vachida kudhibhisa kana kubaisa mombe vafambe mitunhu mirefu iyi nekuti dzimwe nguva mombe dzinenge dzichida kurwapwa zuva roga roga kana dzichirapwa maronda kana kuti pachishandiswa mishonga unoshanda nguva pfupi.

Hazvinei nekuti danga remurimi rakakura zvakadii, kuti murimi agone kuchengera mombe zvakanaka anofanira kunge ane pekudzichengetera padzinokwana. Murimi wese hazvinei kuti mukuru kana mudiki, vekumapurazi kana kumaruwa vanofanira kutanga vagadzira nzvimbo inoenderana nemombe dzavanoda kuzotenga vasati vadzitenga.

Maitiro

Maitiro emombe ndeamwe kusiya kokuti dzimwe ndedzenyama dzimwe ndedzemukaka. Mombe dzemukaka dzakapfava uye dzine ishamwari nevachengeti vadzo kudarika dzenyama. Zvivakwa zvekuchengetera mombe zveavo vane mari shoma zvinowanikwa zvakakwirira mita imwe nehafu (1.5m). Izvi zvinobatsira kana dziri mombe dzakapfava dzine miviri midiki asiwo dzine miviri mihombe dzimoda mita imwe nemiraidzo minomwe(1.7m). Murimi akachenjera anofanira kudzidza unhu nemaitiro emombe dzake zvichibva mukugara nadzo achidziongorora.

Vafudzi/ Vachengeti

Zvivakwa zvinofanira kuchengetedza vafudzi kana kuti Vachengeti vemombe kuti vasakuvadzwe nadzo. Izvi zvinoitirwa kuti danga rikure muzvakanaka.

Kuwedzera danga kunofanira kuchenjererwa zvichienderana nemabatirwe emombe uye zvivakwa zviripo. Hazvina maturo kuwedzera mombe dzinodhura kana dzakachipa usina nzira yakanaka yekuzodzichengeta nayo. Izvi zvinowanikwa zvichikonzera kukuvara kwevachengeti vemombe apo vanenge vachida kudhibhisa kana kudzibaya zvokonzera kudzoka kumashure kwebasa rese rinenge rakarongwa.

 Chipfuwo focus is a weekly agriscience article extracted from Chipfuwo Agriscience®️ field files. It focuses on critical analysis of challenges faced by farmers based on the company’s consultancy work.